Ziva Chokwadi-Chii chinonzi PrEP?

 

Ziva Chokwadi

 

Chii chinonzi PrEP?

  • PrEP zvinoreva kudzivirira hutachiwana usati wahubatira
  • Inzira yekudzivirira hutachiwana hweHIV. Chiitiko chekutora mishonga inorwisana nehutachiona.
  • Munhu kana ari panjodzi yakanyanya yeHIV uye achitora mazuva ose zvinoderedza mukana wekubatira chirwere. PrEP inotorwa munguva iyo munhu paanenge ari panjodzi yekubatira HIV

 

Ndiyani anofanira kushandisa PrEP?

  • Vanhu vasina hutachiwana hweHIV (HIV –ve) avo vari panjodzi huru yekutapukirwa neHIV kuburikidza nekuita bonde risina kudzivirirwa.

  • Mitambo yepabonde kana kusangana neshamwari inehutachiona kare kana kuazadzwa nezvimwewo zvinhu zvine hutachiona

  • PrEP inotorwa zvisina hukoni panguva imwechete mazuva ese

  • PrEP inoshanda zvakanyanya kana ikashandiswa pamwe nedzimwe nzira dzinodzivirira HIV uye inofanirwa kushandiswa pamwe chete nemakondomu echirume kana echikadzi zvekare kuita bonde nevarume vakachecheudzwa nekuchinja hunhu.

 

PrEP haiiti izvi

  • Haidzivirire munhu kana atozadzwa HIV

  • Haidzivirire kubva kuzvirwre zvepabonde

  • Haidzivirire kubatira pamuviri

 

PrEP Ziva Chokwadi!

Zvii zvimwe zve zvandingazive maererano nePrEP?

  • Zvinotora mazuva anokwana kusvika kumanomwe (7) kuti PrEP inyatsotanga kudzivirira

  • Inoderedza njodzi yekutapukirwa nehutachiona kana ikatorwa isingamirwi pasina kukanganisa.

  • PrEP inofanira kutorwa pamwechete nekushandisa makondomu.

 

Kwandingawane PrEP Ndekupi?

  • Parizvino muZimbabwe PrEP iri kupihwa kuburikdza nezvipatara /kiriniki zvehurumende. (Verify this)

  • Parizvino muZimbabwe PrEP iri kupihwa kuma kiriniki eCeSHHAR 

Leave a Comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

Translate »