Mazano ekugadzidzirira kufamba rwendo nekunowanikwa mabhegi ekufamba nawo  

 

  • Unofamba zvekubuda kunze kweZimbabwe kunotengesa bonde here kana kufambira zvimwewo zvakaita sekunotengesa kana kunotenga kana kubvakachira hama dzako paunofamba?
  • Tinopa kabhegi kekufamba nako kane maARVs, PrEP, maCotri, mapiritsi ekuronga mhuri eFemiri Puraning (FP) (zvichienderana nekuti unoshandisa chipi), makondomu nema lubrikenti.
  • Kabhegi kekufamba nako kanenge kane tsamba yekuti uzokwanisa kuwana kurapwa paunenge uri mhiri kwebhodha kana zvazoita kuti ude kurapwa.
  • Kurapwa kunowanikwa kunzvimbo dzaunenge watumirwa kunosanganisira hurapwa hweHIV (ARVs kutestiwa HIV uye nekupangwa mazano, PrEP), kuongororwa nekurapwa zvirwere zvepabonde, Femiri Puraning, makondomu nema ruburikenti.
  • Tubhegi twekufamba natwo tunowanikwa kukiriniki dzeCeSHHAR dzevasikana vanotengesa bonde kuma taundi ekuma bhodha anoti Forbes, Chirundu, Victoria Falls neku Plumtree.
  • Kana uri kuzofamba rwendo uchibva nekuneimwe taundi isiri dzekubhodha unogona kufona, kutumira kana kuisa WhatsApp panmba dzefoni dzinoti +263 773 546 754 kuti uwane ruzivo rwekuti unogona kuwana kabhegi kekufambis kupizve kumwe.
Translate »

It is important for Sisters to get tested for HIV every 6 months. Knowing one’s status helps determine the best prevention or care options. Get tested for free at CeSHHAR clinics.