Kudzivirira kubata pamuviri (Kuronga Mhuri)

Kudzivirira kubata pamuviri (Kuronga Mhuri)

  • Nzira dzekudzivirira kubata pamuviri dzinogona kukubatsira kuronga ramangwana rako.
  • Nzira dzokudzivirira kubata pamuviri dzinogona kukubatsira kudzivirira kubatira pamuviri pausungadi pamwe nezvirwere zvepabonde
  • Kana zvasvika pakusarudza nzira dzekudzivirira kubata pamuvuiri, zvakakosha kunzwisisa zvakanakira nezvakaipira nzira yega yega.
  • Chero uine sarudzo dzakawanda dzaunogona kusarudza kubva kwadziri, unofanirwa kusarudza nzira inonyatsoenderana nehutano hwako.
  • Une kodzero yekushandisa nzira dzekudzivirira kubata pamuviri pasina kutsvaka kupihwa mvumo kubva kuvabereki vako kana mumwe wako.
  • Nzira dzokudzivirira kubata pamuviri dzinogona kukubatsira kudzivirira kubatira pamuviri pausungadi, zvakare kushandisa makondomu kunobatsirawo kudzivirira zvirwere zvepabonde (STIs).

Mitsara iri pazasi apo ine sarudzo yezve kuronga mhuri, zvazvakanikira kana kuipira uye kuti zvinowanikwa kupi.

 

Makondomu echirume neechikadzi

Makondomu ndiwo nzira imwe chete bedzi inopa kudziviririka kwakapetwa kaviri. Makondomu anowanikwa pachena pasina mutengo zvakare anotengeka mumafamasi kana muzvitoro.

 

Zvaakanakira

Kana akanyatsoshandiswa nemazvo makondomu anokudzivirira kubva kuzvirwere zvepabonde (STIs).

Anodzivirira kubatira pamuviri pasingadiwi kana akanyatsoshandiswa nemazvo

 

Zvaakaipira

  • Makondomu anogona kudambuka kana akatadza kunyatso chengetedzwa kana kupfekwa nemazvo.
  • Unogona kutadza kuwirirana nemakondomu erudzi rwelatex. (Ndapota endai kunorapwa chero kukiriniki ipi zvayo yeCeSHHAR Zimbabwe kunorapwa)
  • Unofanira kutsvaka saizi chaiyo inonyatsokwana nekuti saizi hombe ingona kusvotoka.
  • Makondomu echirume nechikadzi anofanira kungoshandiswa kamwe chete bedzi
  • Makondomu haatengeswi uye anowanikwa nyore kuma kiriniki ose eCeSHHAR Zimbabwe.

Nzira yokuronga mhuri yekunwa nemuromo yemadzimai (mapiritsi)

  • Mapiritsi aya anouya ari muma paketi e28 uye unofanira kuanwa kamwe chete pazuva panguva dzakafanana. Kune mhando huru mbiri:
  • Mapiritsi ekunwa nemuromo akasanganiswa (COC) progesterone and estrogen ne (POP) progesterone inotorwa nevakadzi vanoyamwisa chete. 
  • Piritsi rekuronga mhuri rine puregestoroni chete (POP).

Zvaakanakira

  • Mapiritsi anopodza marwadzo ejeko
  • Anoderedza mapundu ekumeso (ance)

Zvaakaipira

  • Haadzivirire kubva kuzvirwre zvepabonde
  • Unogona kurwadziwa nemusoro uya unorwadza zvakanyanya wemigireni zvakare nekuwedzera kufuta
  • Zvekare anowedzera njodzi yako yekuoma mutezo divi rimwe (stroke)
  • Zvinopihwa pachena pasina mubhadharo kuma kiriniki eCeSHHAR Zimbabwe nekumakiriniki mamwewo akawanda.

Implants

  • Inzira yekuronga mhuri inoshanda kwemakore 5 inoiswa nechekumusoro mukati meruoko.

Zvazvakanakira

  • Inodzivirira kubata pamuviri kwemakore mashanu (5 years)
  • Inogona kubviswa chero nguva pawadira kubviswa

Zvazvakaipira

  • Inogona kukonesa kubuda ropa rekuzasi pose pose
  • Inogona kukwidza BP
  • Haidzivirire kubva kuzvirwere zvepa bonde

Kudzivira kubata pamuviri zveemejenzi

  • Unogona kushandisa nzira iyi kudzivirira kubata pamuviri mushure mekuita bonde risina kudzivirirwa kana mushure mekuita bonde zvekumanikidzwa. Kana ukaita chifungidziro chekuti nzira yawashandisa kuita bonde kudzivirira kuti usabata pamuviri haina kunyatsoshanda zvakanaka, unofanira kuishandisa zvekare.
  • Marupu amhando yeCopper anoiswa muchibereko anoshandiswa zvakare kudzivirira kubata pamuviri zveemejenzi

Zvazvakanakira

  • Haudi tsamba yekutengesa mushonga (prescription)
  • Inonyatsoshanda zvakasimba 

Zvazvakaipira

  • Unogona kunzwa kuda kurutsa, kutemwa nemusuro nekungonzwa kurukutika uchangobva kushandisa piritsi racho.
  • Haudzivirire kubatira zvirwre zvepabonde
  • Unogona kurwadziwa nemudumbu uchangobva kuri shandisa.
  • Unowanikwa kuzvitoro zvinotengesa mishonga (pharmacies) zvakawanda.

Kusungwa kubereka kwevakadzi nevarume

  • Iyi inzira yevarume nevakadzi yekudzivirira kubereka zvachose. Usati waitwa nzira iyi, mushandi wezvehutano anofanira kukupanga mazano.

Zvazvakanakira

  • Haitori nguva refu kuita uye iri nyore.
  • Inodzivirira kubata pamuviri.

 Zvazvakaipira

  • Haidziviriri kubatira zvirwere zvepabonde
  • Maitirwo acho anogona kudzoserwa pakare
  • Unogona kunzwa kurwadziwa saizvozvo kuti urapwe unofanira kunoona chiremba wako.
  • Kune zvimwe zvipatara kana kiriniki zvinoitwa pachena

Majekiseni ekudzivirira kubata pamuviri anoshanda kwenguva yakareba

  • Mhando mbiri hombe dzemishonga iyi dzinowanikwa mazuva ano dzinoti Depo Provera (DMPA) ne Norethindrone Enanthane (NET-EN). Majekiseni ekudzivirira kubata pamuvirir ane zvimwe zvwo ega zvakasiyana nedzimwe nzira zvaakanakira izvo zvinoapa kufarirwa zvakanyanya muvanhukadzi vakawanda.

Zvazvakaipira

  • Depo provera (DMPA) haikonzerese mhedzisiro dzakaipa dzinokonzereswa neestrogen dzakaita nekugwamba ropa mutsinga (thromboembolism)
  • Jeko rinodzikira.
  • Njodzi dzegomarara rechibereko nemaovhari dzinodzikira kana tichizvienzanisa nedzimwe nzira dzekudzivirira kubata pamuviri dzema homoni.
  • Haina homoni yeestrogen, zvinova zvinoita kuti iwiririrane nemadzimai vasingagoni kana vasingadi kutora nzira dzine estrogen.
  • Haina njodzi kunana mai vanoyamwisa

Zvazvakaipira

Zvisinei, zvine zvakati wandei zvaakaipira zvinosanganisira

  • Kukanganisika kwekutevera kuenda kumwedzi.
  • Kunonoka kuzobatira pamuviri

Mhando imwe chete yeDMPA, yeDepo –Provera parizvino ndiyo iri kuwanikwa pachena kuma kiriniki evasikana (Sisters’ clinics)

Tinya link iri pazasi kuti uwane kiriniki yevasikana (Sisters’ clinic) iri pedyo newe inopa rubatsiro rwekuronga mhuri, mapritsi ekudzivirira kubatira HIV (PrEP), kuongororwa HIV nezvimwewo zvehutano hwepabonde. (inokusvitsa kupeji yezvekubhuka apointimenti).

 

Nearest Clinics

Translate »