ZIVA KODZERO DZAKO

ZIVA KODZERO DZAKO MAERERANO NEMUTEMO

Kuziva mutemo nekodzero dzako zviri pamutemo zvinokubatsira kuti ugare zvakachengetedzeka nekudzivirirwa kubva pakushungurudzwa nekuti ugone kubatsirawo vamwe.

MuZimbabwe zvinonzi hazvisi pamutemo kuita mari nekutengesa bonde, kubhadhara kuti uwane bonde kana kutsvaga vatengi varo. Mitemo inorambidza kutengesa bonde inoisa vanotengesa bonde panjodzi yekushungurudzwa kubva kune vemasimba zvozoita kuti vamanikidzire kupihwa bonde pachena. Mitemo nemafungiro anopikisana nezvekutengesa bonde anogona kuisa vanotengesa bonde panjodzi yekurwiswa zvinechisimba kana yekutapukirwa ne HIV.

 

TORA MATANHO!
BVUNZA!

  1. Mhosva yangu ndeyeyi
  2. Mutemo unoti kudii?

Iva nevehukama vanokuchengetedza, usashanda wega!

 

ZVIDZIVIRIRE
  • Munhu wese akachengetedzwa nemutemo kubva mukurwiswa zvine chisimba- ziva mitemo iyo inokuchengetedza.
  • Gara une runhare runoshanda pauri, uye une manhamba ekufonera rubatsiro.
  • Kana wavundutsirwa nemhene kana kuti vezvemitemo shandisa runhare kutora mufananidzo kana kuti rekodha mazwi ekutyisidzirwa.
  • Bvumiranai mutengo nezvauchamuitira ubva wapihwa mari yako musati matanga.
  • Usabvume kumanikidzwa bonde or mabasa ezvepabonde nevanhu vemutemo
  • Kana zvichibvira fambidzana nemhene dzakavimbika uyezve udza shamwari yako kuti uripi
  • Tsvaga rubatsiro kana wasangana nekurwiswa
  • Kana ukabatwa chibharo ibva wanoona vezveutano ipapo ipapo. Une maawa 72 chete kuita izvi
  • Kumbira kupihwa PEP (mishonga yekudzivirira kubatira HIV nekuchimbidza)
  • Mhanára kurwiswa kwawaitwa, kana mapurisa akatadza kuterera nyaya yako vamwe vanhu vanokunzwa
  • Gara wakachengeta nhamba dzekufonera rubatsiro pauri
  • Semunhuwo ndine kodzero dzanguwo futi.
  • Kodzero dzekusununguka kwangu (Chikamu 49 chebumbiro remutemo)
  • Kodzero dzekuremekedzwa kwevanhu (Chikamu 51 chebumbiro remutemo)
  • Kodzero dzekuchengetedzeka kwangu (Chikamu 52 chebumbiro remutemo)
  • Rusununguko kubva pakushungurudzwa, kuitirwa hutsinye, izvo zvisingakodzeri kuitirwa munhu kana kubatwa zvinokudzikisira kana kurangwa zvakaipa (Chikamu 53 chebumbiro remutemo)
  • Kodzero dzevanhu vakasungwa nevakavharirwa
  • Kuenzeniswa nekusarurwa (Chikamu 56 chebumbiro remutemo)
  • Kodzero yekuvanzika (Chikamu 57 chebumbiro remutemo)
  • Rusununguko pakufamba nepekugara (Chikamu 66 chebumbiro remutemo)
  • Kodzero dzekurapwa zvehutano (Chikamu 76 chebumbiro remutemo)
  • Vanhukadzi havachakwanisi kusungwa pasi pechikamu 81 chemutemo wedzimhosva (Chiito chekugadzira nekuvandudza) izvo zvakupa kuti chero upi munhu anokumbira pachena mumwe munhu zvakanangana nechipfambi anobatwa nemhosva yekukumbira, kunze kwekuti mapurisa akakwanisa kuwana mufakazi anodaira kuti zvedi apihwa bonde zvine muripo mukati.

Leave a Comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

Translate »